Get Even More Visitors To Your Blog, Upgrade To A Business Listing >>

Killer T – Rovai Makuva

Killer T – Rovai Makuva
Zwhits

Killer T – Rovai Makuva

Killer T. Zim Artist Killer T is back again with a new video for latest single titled “Rovai Makuva”

Watch the video below and comment also.

killer t rovai makuva mp3 download

Lyrics

Pamusoroi vakuru woye
Ndanya ndine nyaya yandiinayo
Asi dzimwe nguva ndongochema
Ndashaya kana basa rekurima
Zvikanzi mhaka munoiziva
Ende zvinodiwa munozviziva
Endai munoti ndiri kuuya
Endai mynoungana mugare pasi

Vakanditi rovai makuva
Vanangu
Muyambuke (murarame)
vanangu we

Chembere dzekwedu ndidzo dzinoziva
Kubika doro nechivanhu chacho
zvikanzi vakafa vanoona
Nekuti kune zvinhu zvinoyera

Vakanditi rovai makuva vanangu
Muyambuke (murarame) vanangu we
Dzosai mudzimu mumusha menyu ikutarireiwo vanangu we
Dirai doro pasi murame vanangu we
Yeukai kumashure kwamakabvawo vanangu we

Hook

Vakati inouyai nevakuru venyu
Ndivo vanochiziva chivanhu chenyu
Enda unovatsvaga vachiri vapenyu
Ndivo vanotungamira munzira dzenyu
Ndakavati nditumei shoko ndosvitsa
Enda mudzimu yako inokutarisa
Zvese zvamandituma inini ndoita
Kuti vanditungamire ini kwandinoenda
Asi vakandiri panodiwa mombe
Ende vanasekuru vanoda mukombe
Iyi uriwega haungaigone
Endai munoungana tione

Vakanditi rovai makuva vanangu
Muyambuke (murarame) vanangu we
Dzosai mudzimu mumusha menyu ikutarireiwo vanangu we
Dirai doro pasi murame vanangu we
Yeukai kumashure kwamakabvawo vanangu we

Pamusoroi vakuru woye
Ndanya ndine nyaya yandiinayo
Asi dzimwe nguva ndongochema
Ndashaya kana basa rekurima
Zvikanzi mhaka munoiziva
Ende zvinodiwa munozviziva
Endai munoti ndiri kuuya
Endai mynoungana mugare pasi
Chembere dzekwedu ndidzo dzinoziva
Kubika doro nechivanhu chacho
zvikanzi vakafa vanoona
Nekuti kune zvinhu zvinoyera

Vakanditi rovai makuva vanangu
Muyambuke (murarame) vanangu we
Dzosai mudzimu mumusha menyu ikutarireiwo vanangu we
Dirai doro pasi murame vanangu we
Yeukai kumashure kwamakabvawo vanangu we

Vakati inouyai nevakuru venyu
Ndivo vanochiziva chivanhu chenyu
Enda unovatsvaga vachiri vapenyu
Ndivo vanotungamira munzira dzenyu
Ndakavati nditumei shoko ndosvitsa
Enda mudzimu yako inokutarisa
Zvese zvamandituma inini ndoita
Kuti vanditungamire ini kwandinoenda
Asi vakandiri panodiwa mombe
Ende vanasekuru vanoda mukombe
Iyi uriwega haungaigone
Endai munoungana tione

Vakanditi rovai makuva vanangu
Muyambuke (murarame) vanangu we
Dzosai mudzimu mumusha menyu ikutarireiwo vanangu we
Dirai doro pasi murame vanangu we
Yeukai kumashure kwamakabvawo vanangu we

The post Killer T – Rovai Makuva appeared first on Zwhits.



This post first appeared on , please read the originial post: here

Share the post

Killer T – Rovai Makuva

×

Subscribe to

Get updates delivered right to your inbox!

Thank you for your subscription

×